Thursday 5 February 2015
Written By: Neo Batakathi
MWANASIKANA DZIDZA
Ndakaramba chikoro…
Ndichitizve ndonowanikwa!
Wanikwe…. Ndarambwa!
Ndichinzi
handina kudzidza…
Murume,
akanditarisa neziso dzvuku
Akadzikisa izwi sesoja rakahwanda mhandu
Akati … “Mwanasikana hauna kudzidza…”
Fundo inochengeta imba yemunhu?
Fundo
inoberekera mwana kumusana?
Fundo
inokuchidzira choto chemwenga ?
Asi fundo imvuto?
Fundo mugoti
here?
Kana kuti
mugwaku?
Kuita mubikirwa
wekachaso unosanganiswa zvese
Chindoendawo…
Ndicho
chakandiremadza!
Chikoro
ndaingoti ndoindawo …
Teve-teve…
seriva rabata tsoko
Dzikame njere
dzagomara
Dzagomara njere
idzo,
Ehe dzagomara!
Ndakunge rema
rabata moto
Murume akati…
“Hauzive!”
“Hauzive….
Zvekusaita
panzvimbo!"
Kunge Chisvo
anogogodza pasowe
Unoita
zambiringa munyemba
Gondo muzvitiyo
Zhundu mundove
“Hauna kudzidza
mwanasikana!”
Ndine vakambondidzidzisa
Kuteera
murume kundari…
Vamwe vakandidzidzisa
Kutuka amwene
ndakakwira churu…
Pandakazoti
pengenu
Wanike ah!
Naivo mabiyangu
aya
Haanawo
kudzidza!
Mwanasikana dzidza-wee!
Africa ishandurwe newe...
Africa yakamirira…
Kurerwa nezivo yako!
Ndege dzkakumirira,
Nyika inodakutongwa newe!
Fundo inokusukira ndiro…
Fundo inokurwira
hondo….
Baba iwe Tsivo!
Tete imi Ngwenya!
Ndarambwa
kani Jiri
Ndarambwa nepasi
rese
Amai makandiudza
kuti,“dzidza!”
Ndakapotsa- fundo…
Ndinoraramira
poiko?
Mwanasikana
handina ramangwana
Ndakashaya fundo!
Ndakapunza chirongo…
MAGUMO!!!
No comments:
Post a Comment