Tuesday 3 February 2015
Written By: Zolisa Gumede
Translator: Takudzwa Chikepe
TIMBORIANANIKO ISUSU?
Timboriananiko
isusu
Isu avo
vakararama kwamakore
Isu avo
vasingamiswe nenguva
Tisu takararama
mune izvo zvakaparara
Izvo zvakaparara
nokuti zvakashaya zivo
Isu tararama
kwamakore
Isu hatingamiswe
nenguva
Isu- vaoni
vehupenyu seraramo
Kunyangwe kune
avo vakatsondoreka
Chi chatava zvino
Asi mimvuri
yezvatinova chaizvo
Zvatinova chaizvo
zvakatitsakatira
Nokuti chokwadi
chinounza kugeda-geda
Pamusoro peraramo
yedu
Tinorarama mune
iyo nguva
Vanotiudza kuti
chokwadi chakafanana nekufa
Nechokwadi
uchashaya icho nechocho
Saka nyarara
umire kuti twi
Pasina kana
kupfakanyuka
Kudzivirirwa
kubva kuchokwadi
Ndihwo hupenyu
hwedu
Saka tinorarama
semimvuri
Yezvataifanira
kuzova
Nemo mukati
mehupenyu
Hunekurwisana
kwakapamhamha
Imo muhupenyu uhu
Une matendo kana
uchinge wapona
Kwedu kwese
kumarwa, kusvuuka nekuchekwa
Kuchiva kunotora
chokwadi kubva kwatiri
Timboriananiko
isusu
Ichi ndicho
chokwadi!
MAGUMO!!!
No comments:
Post a Comment