Thursday, 5 February 2015

MWANASIKANA DZIDZA: BY NEO BATAKATHI

Thursday 5 February 2015

Written By: Neo Batakathi

MWANASIKANA DZIDZA

Ndakaramba chikoro…
Ndichitizve ndonowanikwa!
Wanikwe…. Ndarambwa!
Ndichinzi handina kudzidza…
Murume, akanditarisa neziso dzvuku
Akadzikisa izwi sesoja rakahwanda mhandu
Akati … “Mwanasikana hauna kudzidza…”

Fundo inochengeta imba yemunhu?
Fundo inoberekera  mwana  kumusana?
Fundo inokuchidzira choto chemwenga ?
Asi fundo imvuto?
Fundo mugoti here?
Kana kuti mugwaku?
Kuita mubikirwa wekachaso unosanganiswa zvese

Chindoendawo…
Ndicho chakandiremadza!
Chikoro ndaingoti ndoindawo …
Teve-teve… seriva rabata tsoko
Dzikame njere dzagomara
Dzagomara njere idzo,
Ehe dzagomara!
Ndakunge rema rabata moto

Murume akati…
“Hauzive!”
“Hauzive….
Zvekusaita panzvimbo!"
Kunge Chisvo anogogodza pasowe
Unoita zambiringa munyemba
Gondo muzvitiyo
Zhundu mundove
“Hauna kudzidza mwanasikana!”

Ndine vakambondidzidzisa
Kuteera murume  kundari…
Vamwe vakandidzidzisa
Kutuka amwene ndakakwira churu…
Pandakazoti pengenu
Wanike ah!
Naivo mabiyangu aya
Haanawo kudzidza!


Mwanasikana dzidza-wee!
Africa ishandurwe newe...
Africa yakamirira…
Kurerwa nezivo yako!
Ndege dzkakumirira,
Nyika inodakutongwa newe!
Fundo inokusukira ndiro…
Fundo inokurwira hondo….

Baba iwe Tsivo! Tete imi Ngwenya!
Ndarambwa kani  Jiri
Ndarambwa nepasi rese
Amai makandiudza kuti,“dzidza!”
Ndakapotsa- fundo…
Ndinoraramira poiko?
Mwanasikana handina ramangwana
Ndakashaya fundo!
Ndakapunza chirongo…



MAGUMO!!!




Tuesday, 3 February 2015

NYANZVI YESHASHA: SHEPHERD ZENGEYA

Wednesday 4 January 2015

Written By: Shepherd Zengeya
Translator By: Takudzwa Chikepe

NYANZVI YESHASHA

Uye ndiye kurwa wehupenyu hwangu
Uku ndiko kurwa kweupenyu hwangu
Wangu mutambo wandinofarira
Ko sei vasina kundiudza kare
Kuti vakashandura murume
Uyo wandaifunga
Kuti arikurwa
Achiuya neshasha
Shasha yamadzishaha shaiyo
Inondura senyuchi
Inonjenjemera mudenga
Sabetemapapiro
Handina kukwanisa kuzviwana izvi
Kusvipa pandakazviona nenzira yakaoma
Izvo zvibhakera zvichingorira kwazvinobikwa
Imo muno muAfica
MuZaire umu
Mukati mesango chaimo
Mana Nzou, Bera nemhembwe
Imomo manashumba nanambada
Pakanga pasina kutiza ipapo
Kubuda mudenderedzwa
Pinda musango
Chokwadi ndakanga ndiri mutsitsi dzashe
Kana kurumwa neuhwutu takatokukanganwa
Tirikurwa mumakundano makuru chaizvo
Kunyangwe runako rwakanga rwakadyarapo
Ndaitoti ndibatirire muchidambu chetatu
Kunyangwe mumusoro mangu umu zvaive zvitima zvega zvega
Musoro waiita kunge urovhurika usiku ndakurara kuri kuda kufema-nekuneta
Ziso rakaparara iri kunge matombo aiva maoko
Muromo uyu uchinge uchananzva rako ropa
Izvo zvaitoreva kuti kana nerurimi kwakanga kusisina
Kusina zviye zvekumukira chitsvigiri-nanzvi zviye zvandinoda
Kwaingoshuwira kubuda mungarava iyi
Kungozvi dzi nyururwei…chaiyo
Nzveve dzitwasanukira mativi ose kuda kuziva
Kuziva kuti kunze kwakamirasei
Kana nemuromo haukwanise
Kuverenga nguva dzawakashevedza
Mutongi gava kuti aendzanise nyaya iyi
Ndaingoshuwira kuti dai ndaiva kumba
Chichorera changu chemuto chiya
Hurihwo huturu hwangu chaihwo
Kumba kwedu muzinda wezvinyu zvangu zvose
Zvose izvi nokuda kwekurwa uku
Kunyangwe yaiva mari yeutsautsau
Yakawanikwa neutsau tsau
Handichazorwa futi
Ndinodzokorora zvachange
Handichazombodzokera kuhondo futi
Mhuri yangu inondida
Kwete kurwa kuneutsinye uku
Sekuzviratidza kwawakaita
Ndaitoti ndiite hushingi
Kutitira dai ndaizofa
Apo ndaizosangana
Nayonini nayonini
Avo vakaenda kare
Avo vandakangendakanganwa
Saapa ndaitoti ndivarangarire
Semudetembi anorondedzera
Rake detembo
Ndaitoti ndirangarire
Ravo zuva rekuzvarwa
Naro zuva rekufa kwavo
Nekwavakaradzikirwa
Zvakanga zvakaoma
Zvairwadza- unongonzwa
Hondo iyi yaifanira kuti ipere
Ndaitoti ndiimise hondo iyi
Uye ndakaimisa pachokwadi
Ndakawira muvhu
Kwete kuti ndaida
Ingori dzamutsana mutsana
Chirimberi unochiwona wasvikapo
Sesaga rembatata ndakawira pasi
Zvekusamuka zvakare
Zvekuti kana neanoverenga
Aitosvika pakuneta chaipo
Handina kubatsira zuva pakurarama
Ndakapedzerwa pangu
Zvikava zvinhu zvakaitika izvi
Ikoko kuZaire
Mubindu resango
Shasha dzakararama
Asi iye aiva nyanzvi yeshasha!


MAGUMO!!!








TIMBORIANANIKO ISUSU?:BY ZOLISA GUMEDE

Tuesday 3 February 2015

Written By: Zolisa Gumede
Translator: Takudzwa Chikepe

TIMBORIANANIKO ISUSU?


Timboriananiko isusu
Isu avo vakararama kwamakore
Isu avo vasingamiswe nenguva
Tisu takararama mune izvo zvakaparara
Izvo zvakaparara nokuti zvakashaya zivo
Isu tararama kwamakore
Isu hatingamiswe nenguva

Isu- vaoni vehupenyu seraramo
Kunyangwe kune avo vakatsondoreka
Chi chatava zvino
Asi mimvuri yezvatinova chaizvo
Zvatinova chaizvo zvakatitsakatira
Nokuti chokwadi chinounza kugeda-geda
Pamusoro peraramo yedu
Tinorarama mune iyo nguva
Vanotiudza kuti chokwadi chakafanana nekufa
Nechokwadi uchashaya icho nechocho
Saka nyarara umire kuti twi
Pasina kana kupfakanyuka
Kudzivirirwa kubva kuchokwadi
Ndihwo hupenyu hwedu
Saka tinorarama semimvuri
Yezvataifanira kuzova
Nemo mukati mehupenyu
Hunekurwisana kwakapamhamha
Imo muhupenyu uhu
Une matendo kana uchinge wapona
Kwedu kwese kumarwa, kusvuuka nekuchekwa
Kuchiva kunotora chokwadi kubva kwatiri
Timboriananiko isusu
Ichi ndicho chokwadi!




MAGUMO!!!

Monday, 2 February 2015

MUZAYA KARE KWAIYA NANI: BY DAVID MAKACHA

Tuesday 3 February 2015

Written By: David Makacha


Muzaya Kare Kwaiya nani


Karetu kwaiya nani muzaya
Mvura yainaya yedu minda tichirima
Ini wako sekuru ndaibata hamburamaka yendima
Zvakanga zvisiyo izvi zvekunyima
Mumuganga mwedu isu taihinana
Makaka, makebe, tairya techiguta
Dzaitaima mhanza dzechembere nendota kukhomba kurya dzechiguta
Ukapenya dzedu mhatso mazuwa awawo dzainge maguta
Nyamashi yawe mikarakadzo, ndoti karetu kwaiya nani muzaya

Nyamushi pashi paagangarahwe
Kuti ndiMarure ere wadai kushatirwa apana unoziyaba
Zvaide iwo aripo ashurukwa kuti atironzere nekuti ndiwo anoziya
Toboorera ndiyo nzara ngekuti tademera, taziya
Hino hekwakadai kupera asharukwa acho ndiani uchatironzera
Zvadzangodai kusara pwere dzino pwereketa zvisina nzeroba
Zvitsanza hapana achiziye kubikwa kwazvo
Nyika yaita mutsongonono
Saka ndati karetu  kwaiya nani muzaya

Karetu kwaiya nani
Umambo hwaiye majana aishadzanwa
Taiziya mutape ndimutape vanopurutanwa kana vareketa
Nyamasi mutape oitwa zitukawatuka hure rekwaMuganga
Nyamusi toambanirana umambo tichizhindana
Ana adoko obata ndebvu dzaMutape
Makomo nemakwasha aiera apana uchayeresa

Kare kwaiya nani muzaya
Humwe nezunde ramutape ndiwo aiya magariro edu
Nyamasi amazvake mazvake nepangu pangu kurira kwengoma
Yainaya mvura kuti warakata
Onei michero nechowa zvozara kuti chakata
MwaSaye  umwo taidzirya tshakata
MwaMusani umo zvaivemo zvitopota zvaana tungata
Hapana aitwi pwe-e kana idzo n’anga dzachaya hakata
Asi nyamusi  zveshe zvaoma kuti papata

Kare kwaiya nani muzaya
Mhandara nemajaha vaidada neumhandara
Nhasi dzanagano muzaya
Kwakutsakara kwechitoo kunga chisina kumboryiwe nyama
Saka ndati karetu kwaiya nani muzaya


Picture credit: Sekuru Tee, from REKETE CHINDAU  - LEAVE A LEGACY Facebook page 

MAGUMO!!!


Saturday, 31 January 2015

NDIMANIKIDZE: BY SHEPHERD ZENGEYA

Saturday 31 January 2015

Written By: Shepherd Zengeya
Editor: Takudzwa Chikepe

NDIMANIKIDZE

Kugara zvenyu kuti tasharara
Hapana chinobuda apa…
Mushana chete…
Ndiwo chete unobuda
Kana nhamo chaiyo…
Ndiyo chete inobuda!

Zvinhu ndimanikidze chete
Handirambe ukandimanikidza
Ndinotobvuma-kumagumo
Ndokuti zvifambe

Tarira vamwe 
Kwavasvika...
Zuro chaiye dzanga dziritsoka
Nhasi dzangoro-dzemotokari
Ndimanikidze ndinobvuma-chete!
Avo…vakuto chaira dzavo motokari

Uyo mhazi, kunyora kana kuverenga?
Vana mbizi pupurai zvimwe manyepo!
Nhasi vatova munyori…
Ndimanikidze… ndinobvuma chete

Mushana nenhamo ndizvo chete!
Mugove…wevakagara tekeshe
Bvunza vana Muzvinafundo
Zuro vanga varipi?
Mombe-zvamboko…kuvasuva
Ndimanikidze ndinobvuma chete!


Hevo vama dokotera
Ndivo votibaya majekiseni
Kana wadenha Mangwiro,
Wotokwinya!
Hazvichada hope
Kwabviwa ndiko kure…
Mishana mizhinji yakasiwa ichingochenama,
Ndimanikidze ndinobvuma chete!


MAGUMO!!!


Friday, 30 January 2015

GUNUN’UNO IYI: YANDIGUNUN’UNISA : BY MARTIN ZILUNGILE JEX ( MUREHWA )

Friday 30 January 2015

Written by: Martin Zilungile Jex (Murehwa)
Editor: Takudzwa Chikepe

GUNUN’UNO IYI: YANDIGUNUN’UNISA

Kuri kurara…ndatadza
Kuri kufunga, kuti chii chandakutadzira mudiwa wangu
Ko kana riri rudo,
Inga ndinokupa rwakapetwa kaviri-nekatatu wani…
Kuti ndezvangu zviito, zvingava zviri zvip
Zvaomesa wako moyo sedombo kudai?
Kana dziri tsamba, inga ndinonyora namashoko akawanda wani…
Kuti hujaya hwangu uhwu, kutindiwo…?
Inga ndakadimbura midzo yacho ndikati,
Ndoita zvamachokwadi, pauri-pauri chete…
Kana ari mashoko akataurwa nehama dzekwangu
Ndinoaputsa nekumaramba!
Kana uri hurombe hwatitambisa ndondo,
Sembwa yotsengeswa uswa..
Ichinzi ‘inyama iyi inyama iyi’
Haiwa ini ndohuramba hurombe hwakadai…
Bhutsu! Chibhakera! Ibva pandiri!
Kana kuine arikukunyengedza mudiwa…
Nditaurire ndirwisane naye namapfumo angu ose!
Ndimuratidze kupfachuka…
Kunoita mwoyo wangu nerudo rwako
Kana kuine arikukufurira mudiwa…
Nditaurire ndimubvise ganda kumeso!
Kuda kufamba achivhaira nepodo yemharadzo…
Dzangu shungu dzakwata mudiwa…
Kubika manhanga chaiko mudiwa wangu,
Nokuda kuziva kuti sei uri kundidaiso mudiwa wangu?
Mwoyo wangu wandondoreka,
Chokwadi mudiwa wagunun’una…
Gunun’uno iyi yandigunun’unisa
Kusvika kugunun’uniso…
Asi pari pakati-kati pemwoyo wangu
Chako chitubu cherudo…chinondipa simba
Neiri simba…aiwa tinokunda mudiwa wangu…
MAGUMO!!!

GUDO GURU: BY CLIVE CHIKUKU

Friday 30 January 2015

Written by: Clive Chikuku

GUDO GURU

Ndiwe zvako Marujata
Kamuchacha...
Une mukanwa makachonjomara...
Chokwadi hauna ganda kumeso,
Haunyare here?

Asi unombonyatsopindwa neiko?
Ukanyarara unovaviwa here?
Zvemumusha mangu unozvibatira papi?
Asi unoda kuti ndigovigwa negonzo?
Uri mhunzamusha chaiyo...ndakuona
Svuuramuromo...

Asi, iwo wako musha wapedza kuunatsa here
Ko zvaunongopona negwaku-mukwaku segunguwo wani...
Kusvaga kamuti muziso mangu uchisiya danda riri mako
Ah! Zvako iwe bodo...
Chokwadi wakaroiwa newakafa
Dai aive mupenyu aikunzwira tsitsi...
Uri mharadzi iwe!

Munhu wemurume asingabvire pamuromo
Aiwa kurai mhanduwe...
Chokwadi kubvunzwa makuhwa nepwere?
Mangwana-mangwana uri kusvereredzwa nepwere
Kuita sebenzi ririkutanda botso...
Gudo guru peta muswe...pfeka ganda kumeso
Nyara Marujata..nyara!




MAGUMO!!!