Friday 30 January 2015
Written by: Martin Zilungile Jex (Murehwa)
Editor: Takudzwa Chikepe
GUNUN’UNO IYI: YANDIGUNUN’UNISA
Kuri kurara…ndatadza
Kuri kufunga, kuti
chii chandakutadzira mudiwa wangu
Ko kana riri
rudo,
Inga ndinokupa
rwakapetwa kaviri-nekatatu wani…
Kuti ndezvangu zviito,
zvingava zviri zvip
Zvaomesa wako
moyo sedombo kudai?
Kana dziri
tsamba, inga ndinonyora namashoko akawanda wani…
Kuti hujaya
hwangu uhwu, kutindiwo…?
Inga ndakadimbura
midzo yacho ndikati,
Ndoita
zvamachokwadi, pauri-pauri chete…
Kana ari mashoko
akataurwa nehama dzekwangu
Ndinoaputsa
nekumaramba!
Kana uri hurombe
hwatitambisa ndondo,
Sembwa
yotsengeswa uswa..
Ichinzi ‘inyama
iyi inyama iyi’
Haiwa ini
ndohuramba hurombe hwakadai…
Bhutsu!
Chibhakera! Ibva pandiri!
Kana kuine
arikukunyengedza mudiwa…
Nditaurire ndirwisane
naye namapfumo angu ose!
Ndimuratidze
kupfachuka…
Kunoita mwoyo
wangu nerudo rwako
Kana kuine
arikukufurira mudiwa…
Nditaurire
ndimubvise ganda kumeso!
Kuda kufamba
achivhaira nepodo yemharadzo…
Dzangu shungu dzakwata
mudiwa…
Kubika manhanga
chaiko mudiwa wangu,
Nokuda kuziva
kuti sei uri kundidaiso mudiwa wangu?
Mwoyo wangu
wandondoreka,
Chokwadi mudiwa
wagunun’una…
Gunun’uno iyi
yandigunun’unisa
Kusvika kugunun’uniso…
Asi pari
pakati-kati pemwoyo wangu
Chako chitubu
cherudo…chinondipa simba
Neiri simba…aiwa
tinokunda mudiwa wangu…
MAGUMO!!!
No comments:
Post a Comment