Saturday, 31 January 2015

NDIMANIKIDZE: BY SHEPHERD ZENGEYA

Saturday 31 January 2015

Written By: Shepherd Zengeya
Editor: Takudzwa Chikepe

NDIMANIKIDZE

Kugara zvenyu kuti tasharara
Hapana chinobuda apa…
Mushana chete…
Ndiwo chete unobuda
Kana nhamo chaiyo…
Ndiyo chete inobuda!

Zvinhu ndimanikidze chete
Handirambe ukandimanikidza
Ndinotobvuma-kumagumo
Ndokuti zvifambe

Tarira vamwe 
Kwavasvika...
Zuro chaiye dzanga dziritsoka
Nhasi dzangoro-dzemotokari
Ndimanikidze ndinobvuma-chete!
Avo…vakuto chaira dzavo motokari

Uyo mhazi, kunyora kana kuverenga?
Vana mbizi pupurai zvimwe manyepo!
Nhasi vatova munyori…
Ndimanikidze… ndinobvuma chete

Mushana nenhamo ndizvo chete!
Mugove…wevakagara tekeshe
Bvunza vana Muzvinafundo
Zuro vanga varipi?
Mombe-zvamboko…kuvasuva
Ndimanikidze ndinobvuma chete!


Hevo vama dokotera
Ndivo votibaya majekiseni
Kana wadenha Mangwiro,
Wotokwinya!
Hazvichada hope
Kwabviwa ndiko kure…
Mishana mizhinji yakasiwa ichingochenama,
Ndimanikidze ndinobvuma chete!


MAGUMO!!!


Friday, 30 January 2015

GUNUN’UNO IYI: YANDIGUNUN’UNISA : BY MARTIN ZILUNGILE JEX ( MUREHWA )

Friday 30 January 2015

Written by: Martin Zilungile Jex (Murehwa)
Editor: Takudzwa Chikepe

GUNUN’UNO IYI: YANDIGUNUN’UNISA

Kuri kurara…ndatadza
Kuri kufunga, kuti chii chandakutadzira mudiwa wangu
Ko kana riri rudo,
Inga ndinokupa rwakapetwa kaviri-nekatatu wani…
Kuti ndezvangu zviito, zvingava zviri zvip
Zvaomesa wako moyo sedombo kudai?
Kana dziri tsamba, inga ndinonyora namashoko akawanda wani…
Kuti hujaya hwangu uhwu, kutindiwo…?
Inga ndakadimbura midzo yacho ndikati,
Ndoita zvamachokwadi, pauri-pauri chete…
Kana ari mashoko akataurwa nehama dzekwangu
Ndinoaputsa nekumaramba!
Kana uri hurombe hwatitambisa ndondo,
Sembwa yotsengeswa uswa..
Ichinzi ‘inyama iyi inyama iyi’
Haiwa ini ndohuramba hurombe hwakadai…
Bhutsu! Chibhakera! Ibva pandiri!
Kana kuine arikukunyengedza mudiwa…
Nditaurire ndirwisane naye namapfumo angu ose!
Ndimuratidze kupfachuka…
Kunoita mwoyo wangu nerudo rwako
Kana kuine arikukufurira mudiwa…
Nditaurire ndimubvise ganda kumeso!
Kuda kufamba achivhaira nepodo yemharadzo…
Dzangu shungu dzakwata mudiwa…
Kubika manhanga chaiko mudiwa wangu,
Nokuda kuziva kuti sei uri kundidaiso mudiwa wangu?
Mwoyo wangu wandondoreka,
Chokwadi mudiwa wagunun’una…
Gunun’uno iyi yandigunun’unisa
Kusvika kugunun’uniso…
Asi pari pakati-kati pemwoyo wangu
Chako chitubu cherudo…chinondipa simba
Neiri simba…aiwa tinokunda mudiwa wangu…
MAGUMO!!!

GUDO GURU: BY CLIVE CHIKUKU

Friday 30 January 2015

Written by: Clive Chikuku

GUDO GURU

Ndiwe zvako Marujata
Kamuchacha...
Une mukanwa makachonjomara...
Chokwadi hauna ganda kumeso,
Haunyare here?

Asi unombonyatsopindwa neiko?
Ukanyarara unovaviwa here?
Zvemumusha mangu unozvibatira papi?
Asi unoda kuti ndigovigwa negonzo?
Uri mhunzamusha chaiyo...ndakuona
Svuuramuromo...

Asi, iwo wako musha wapedza kuunatsa here
Ko zvaunongopona negwaku-mukwaku segunguwo wani...
Kusvaga kamuti muziso mangu uchisiya danda riri mako
Ah! Zvako iwe bodo...
Chokwadi wakaroiwa newakafa
Dai aive mupenyu aikunzwira tsitsi...
Uri mharadzi iwe!

Munhu wemurume asingabvire pamuromo
Aiwa kurai mhanduwe...
Chokwadi kubvunzwa makuhwa nepwere?
Mangwana-mangwana uri kusvereredzwa nepwere
Kuita sebenzi ririkutanda botso...
Gudo guru peta muswe...pfeka ganda kumeso
Nyara Marujata..nyara!




MAGUMO!!!

Thursday, 29 January 2015

NDAVAONA NDAVATARISA: BY SHEPHERD ZENGEYA (...MHAZI...)

Thursday 29 January 2015

Written By: Shepherd Zengya
Editor: Takudzwa Chikepe

NDAVAONA NDAVATARISA
Zvimwe ndezvimwe,
Kugona kugona chete!
Kufamba nevanogona…
Unonzwa sei?

Chimiro chavo
Ndamva ndamira kuti twi!
Kupfeka kwavo
Kwangu kupfeka kotobvunzwa!
Ko bvudzi ravo
Mavakutedzera VaChikepe kani?
Kumisa tunyanga mumusoro…
Imiwe chii chashata ipapo
Kunzvenga vanogona
Aiwa kunyunya vanogona!

Ko kunyora kwacho
Ndafunda… zvandaiti ndinogona wani
Kusaziva rufu zvamunoona
Aiwa ini ndamuka- ndakutomutsawo!

Ko shamwari dzacho
Imi zvionerei-mega sapamunho pefodya
Varimundege ishamwari chete!
Kumafaro ishamwari chete!
Tarisai vakamira nanaSamaita veMbira Dzemukurumbira
Ishamwari chete! Ishamwari chete!
Mhiri kwamakungwa changove chaunga
Vamwe vototi Mdara munofara here ikoko!

Kuzoti kuseka
Madenha zvirere
Murume anofara zvake iyeye
Pore pore veduwe…achinyemwerera
Kusara kuda-Ini twangu-ndasunga
Gore rino neChikepe aiwa-ndayambuka!
Kusaziva kwangu…mhaka ndaripa
Zvinyoreso nazvo kwati kwati…
Mapepa ekunyorera, ondimutsa
Ramangwanani machongwe asati oshamanáya

Chakudiwa kuzvipira,
Pfungwa yokubudirira…
Kuvanwe vedu,
Chenjera kusara!
Tungamira mberi semunho
VaChikepe vanokukwazisa mberi
Kuti wagona…ramba wakadaro
Aiwa, asara-asara…kumakuwerere
Tsika nditsikewo ndoyava yangu namavara

Ndavaona
Ndavatarisa
VaChikepe
Mbizi yekwa Samaita iyo…


MAGUMO!!!


Wednesday, 28 January 2015

TSVINA:BY SHEPHERD ZENGEYA (...MHAZI...)

Thursday 29 January 2015

Written By: Shepherd Zengeya
Editor: Takudzwa Chikepe

TSVINA

Matendo kuna tsvina
Nekachikamu kenguva yaatipa
Yekupindura mibvunzo…
Yakanangana naye tsvina!
Vamwe havazive,
Tsvina chii patiri?
Sei tsvinapatiri?
‘Ini ndinosvota nokusemeswa’
‘Muvengi watsvina anodaro

Unobvepi nhai iwe tsvina?
Huchapa wemandorokwati…
Unemakumbo here?
Mheni chaiyo kufamba kwacho…
Kwaunofarira zvikuru kuwanikwa,
Pamunhu ndipo pauri ipapo…
Kunge hove mugungwa!
Venungo vaye vanonyepera kuchena…
Vaye, vasvuuka mawoko nokuombera
Hanzi chitisiyawo tsvina kani- tapfidza

Unosuduruka sei?
Hazvidi chiremba izvi
Kuchena chete semwedzi wagara-nganga
Makore anotevera unozviona sei?
Tinenge-tawanda, uyetichiripo kusvika vafunda vanhu
Saka zvoitwasei tsvina?
Vanhu tererai… akuruma nzeve ndewako

Makomba ekutiviga hamugone kuchera
Mishonga yekuuraya nunzi nemapete tanha-kuzara
Kuoma kwemisoro nepfungwa dzenyu chete!
Kutoda mbiri yerufu rwatsvina…
Hanzi ngaafe ngaafe tsvina
Muzvenyu zvivhitivhiti
Kusangana nehuturu hwangu mugwagwa,
Nemuzvikona- kwenyu kundinyenyeredza
Kundinyeya, kunditya nekunditya!
Nungo idzo-Dzenyu nungo ndochedu chikafu
Hwenyu huchapa…ndizvo zvedu zvikomba!

Zimunhu remunhu!
Kusada kusevenza
Kuda kudya makagara
Kunge varwere…
Chokwadi munopera neni tsvina!
Kupera chaiko…kuti pepepe!




MAGUMO!!!

KURWARA NESHANJE: BY NEO BATAKATHI

Wednesday 28 January 2015

Written By: Neo Batakathi
Editor: Takudzwa Chikepe

KURWARA NESHANJE

Vanodarika nenzira yepano…
Vanongomuwona achirwara!
Vavakidzani…wo vanongoziva kuti murwere
Vepo pamusha, ndivo vanoziva kuti anorwara nei!
Vasori vakambobvunza vemumusha kuti iye anomborwara nei?
Vemusha vaya vakanyara kuzvidoma, kuti anorwara achifamba...
 Vatorwa ndivo vanombokanganwa kuti iye munhu uyu anechirwere….

Udyu meso hoyo! Va-vakidzani vachipfuura nemotokari dzavo…
Miromo dunduma! Vadariki venzira vachiseka havo…
Nzeve twi! Vemusha kana votandara paukama…
Mazino zhinyu !Vasori kana voda kumubata paanorwara napo
Vatorwa ndivo vanozozvioona nekure kuti uyu munhu uyu murwere!

Anenge zingizi kuimba…iye achichema
Mwoyo usina divi kunge nyongorosi
Zizi… rinodzvokora zvivakwa zvevamwe murima.
Mutsipa kurebera zvisi-zvake, ungati imhakure
Bonga! rinotiza vanhu, pedze rovadongorera…
Vatorwa ndivo vanozobvunzawo, kuti humhuka hupi hunenge kurwara uhu?

Uyu munhu murwere uyu…
Inzwa kufemera kunze kunge dadya,
Katanurayi  shanje idzi…
Dzakamugara matunduru!
Godo zvarakadzipa huro?
Mukatanurei shanje idzi…
Asati atandadza…
Haadi kusiyana naro godo.
Padiki..padiki zvabatana! vava vese-zve!
Hona kufamba achibhidhaira kunge pasi pane rata…!
Kufinyama kunge anwiswa mudzepete…

Kunge wakaroiwa neari kumakuvakudaro
Shanje chirwere chinouraya
Kusvotwa hakuna godobori hakuna nyora
Gona reanehasha haritane kufumuka
Zvishuvo zvizere ruvengo zvinogumira kuhope
Shanje dzichakumonerera dzigokuuraya
Kana ukaramba uchiripembedza denda iri!


MAGUMO!!!



Tuesday, 27 January 2015

FUNDO CHII?: BY SHEPHERD ZENGEYA

Wednesday 28 January 2015

Written By: Shepherd Zengeya
Editor: Takudzwa Chikepe

FUNDO CHII?
Ndiudzeyiwo 
Ndatambura ini..
Fundo chii,
Fundo chimbori chii?

Kubata mabuku
Kuadya mabhuku
Kumapisa mabhuku

Ndiudzeyiwo
Ndatambura ini
Fundo Chii
Fundo chimbori chii?

Kutakura pfungwa
Kudzisendeka pfungwa
Kudzigaririra pfungwa

Ndiudzeyiwo
Ndatambura
Fundo Chii?
Fundo chimbori chii?

Kuperekedza vamwe
Kutenga maCertificate
Kuchema here
Kutaura chirungu
Kutaura chikaranga

Ndiudzeyiwo
Ndatambura ini
Fundo Chii
Fundo chimbori chii?

Ko kudya maningi
Kutamba maningi
Nekumanyisa motokari
I funo here?

Ndatambura
Ndiudzeyiwo
Ndapota
Fundo Chii?
Fundo chimbori chii?

Chingwa china mazai pakati
Ibhutsu inamasokisi mukati
Zidhanduru rinamatanduru mukati?

Haiwa ini ndatadza kuziva
Vanenge vakasiirira pavakatidzidzisa gore rekutanga
Dai vakatanga nekutidzidzisa kuti fundo chii…
Tinotenda kuti tingadai tose tiri vanhu vakadzidza!
Zvino vakatidzidzisa a kuzvika kuna u….vamwe vakapihwa ma u…
Zvisinei hazvo tese takasara tichigona kuverenga, kunyora nekuverenga zvigunwe
Asi hatisirisu toose takasara takafunda!
Hamheno vakafunda kuti vakafundira kupi uye vakafundiswa nani?
Ko zvaasina kuenda kuchikoro uyo akafunda here…
Zvino mufundisi achauya rinhiko kuzotifundisa- fundo?

Ndatambura weduwe
Ndiudzeyiwo
Ndapota…
Fundo Chii,
Fundo chimbori chii
Zvimwe ndingazvibate ruoko
Ndikazvidhoza ndikagara pasi
Ndikatangawo kuzvidzidzisa.




MAGUMO!!!

TSVARAKADENGA:BY MARTEL RIC MAK (CHIEF OF KATANGA)

Tuesday 27 January 2015

Written by: Martel Ric Mak
Editor: Takudzwa Chikepe

TSVARAKADENGA

Mwana iwe...
Runako rwako rwandibata moyo
Ganda rako... nhete ungati kacheche!
Kupfava ungati idonje richangoibva...
Mazino ako kugadzana seairongedzwa!
Ko kuchena kuti mbuu, kunge mwana wemuchena...
Runako rwako mwana iwe...ungati wakaitwa zvekuumbwa
Zvandipa kunanga kwasekuru....kwasekuru vangu chaiko, kuti ivo
Vandipewo mazano...avowo mazano avakapiwa pahwavo hudiki!

Mwana iwe...
Kafambiro kako- mwana iwe... kuyevedza
Unotsika pasi seunorwadziwa... sopanopisa
Uchitsika zvishoma seunonyangira-uchienda
Muviri wako wese uchitevedzera-tevedzera
Nyama dzako dzese dzichitamba-tamba
Mitezo yako yose ichiita kuzungunuka...
Zvinosiya hana yangu yakati dzii!... kwenguva

Mwana iwe...
Paunotaura... mukanwa mako zvinobuda, uchi hwega-hwega
Ndashaya wokuudza... angandibatsira ndiyani zvino?
Kuti uve wangu mudiwa ndifare nokupembera...
Kupembera kunosiya venegodo vakatsamwa...vari fonyo!

Ndikakufunga mwana iwe...
Ruoko rwangu rwerudyi runopuruzira pakati pegotsi
Dai waichindiwona zvino...pandiri popisa namashoko erudo
Chikoshwa changu panyika ino...aiwa ndiwe!

Mwana iwe....
Tsvarakadenga yangu!
Unonditsvarira kadenga iwe...
Chasara kutamba chisveru...kiye
Tirimo mukadenga...kedu- tega tega hedu!


MAGUMO!!!

ZAMBUKO: BY FANUERE BULUWATI

Tuesday 27 January 2015

Written By: Fanuere Buluwati
Editor: Takudzwa Chikepe

ZAMBUKO

Hechooo chikepe icho….hecho

Zvamati chikepe chinotiyambutsa mhiri
Iwe neni toita zvebasa…zvebasa chaizvo
Sezvinoita Mabasa…wemabasa
Aiwa kubva handei…

Mapenzi
Mapenzi
Mapenzi haaaaa mapenzi!
Vasingashandise chikepe pazambuko
Namakarwe ngwarirai kunyonzorewa…

Gore rino chichatiendesa mhiri…
Kana mafashamu hatichatya!
Kwangova kufefeterwa koga
Takanange mhiri…vhai vhai tichisundwa nemhepo

Chakabaya chikatyokera…iwe
Nepfungwa dzedu hatichina,
Topembedza mutauro wevamwe…
Rwedu rurimi toruhwandisa kuseri kwehozi
Toti runonyadza!
Toshuva kuva varungu…
Kusatenda chaMwari,
Chokuzvarwa nacho munyika ine huchi nomukaka….

Hechooo chikepe icho….hecho
Chikepe ndipfuudze ndiende
Ndipfuudze ndiyambuke zambuko iri!
Ndibire mhiriko kunaVaMabasa ndiite zvebasa…

Ndohusiya…ehe ndohusiya hupenzi uhu
Aiwa mufudzi wandibaira zani
Chokwadi simbi inorodzwa neimwe simbi
Ndatenda hangu mufudzi…Shumba Mhizha
Iwe neni tine basa…
Njere ngadzirege kufa sedzavaamwe
Asi ngatichisumudzire mudenga denga…
Chedu chokuzvarwa nacho!

Hechooo chikepe icho….hecho
Hechooo chikepe icho….hecho.




MAGUMO!!!

Monday, 26 January 2015

MIRA: URARAME: BY ZOLISA GUMEDE

Tuesday 27 January 2015

Written By: Zolisa Gumede
Translator: Takudzwa Chikepe

MIRA: URARAME

Muhusiku hweusiku
Apo ruoko rwemarwadzo runosverera
Nehutsinye hwemharadzo
Kune icho zvacho… chingapfukunyuke
Kana icho chinozvikambairira
Kana icho chinozviraramira…
Mira! Mira zvinemutsindo!
Mira! Mira pasina kuchandurwa…
Mira! Mira pasina kusudurudzwa…
Mira! Mira pasina kutyiswa nedimburo
Zvimiririre…pasina kutyiswa
Kutyiswa nekufema kusina hupenyu
Mira! Nyatsomira!

Uchamira here iwewe…kana kuti uchawira pasi?
Kuwira pasi chaipo…wokanganikwa zvachose…
Kukanganikwa zvachose, pasina chako chingarangarirwa,
Kana rako zita…kushaya kana mumwe anorirangarira…
Kuwisirwa pasi nehupenyu…rufu pachezvaro!
Saka-mira… urarame!
Mira!… uye umise…
Umise rufu samambo wehupenyu
Umise marwadzo sehwemunhu hupenyu
Tirimuka! Uvuruke… nerako rese simba!
Hudzvinyiriri haungatonge!
Saka-mira…urarame!


MAGUMO!!!



Thursday, 22 January 2015

WANGU AKATSAKATIKA: BY SHEPHERD ZENGEYA

Friday 23 January 2015

Written By: Shepherd Zengeya
Editor: Takudzwa Chikepe

WANGU AKATSAKATIKA

Ndangova buru romusha
Rinochengeta musha
Ndakadirwa vanodero
Vose vanondiombera…

Kwangu ndiko kudanga
Wangu akatsakatita…
Kumafuro ndega!
Muswe uchingotanda nhunzi,
Kana mafuro acho ondiremera…

Veduwee-tenzi
Kundidaro here
Kundidaro here shuwa?

Danga rondiremera
Rondiremera danga iri…
Ndinogara ndakasuwa
Kusuwa hakuchabvi pandiri…
Wangu makamuisa kupi,
Kupi wangu-wangu makamuisa?

Ndanzwa nokupaza danga
Rangu gumbo rakatovhunika
Dziri shungu dzokuda wangu…
Mapere andiona… kutiza chete!
Kuzoti dziri shumba kutsauka,
Kukwenyana nokundinyeya
Wangu aripi?
Wangu makamuisepi?

Kana chirichokwadi
Ichi kana chiri chokwadi
Ndaradzwa tenzi…

Shiri dzinoimba kuHarare
KwaMereki KwaZindoga
Arikugochiwa vachimwa mamba
‘Sviyo…tsviriyo…sviriku…ochewa’
Nyararai apa vana shiri- twumuromo twusinezwi!

Ko dehwe rake riripi
Butsu…shangu chaidzo?
Mabhandi emaburukwa sunga dzisimbe
Mabhegi emucheneso emadzimai
Zviwhepu zvekuchaisa iwe…
Zviwhepu iwe…taura wangu makamuisepi?

Tenda vakakudira
Kukuita bhuru remusha!
Iwe! Kwamereki…kwaZindoga
Ndiko kwawaiperera!
Vachinwa vachikugocha
Vachitamba vachiimba…

Whepu! Whepu! Whepu!
‘Dzokera- mudanga’
Wangu arikundirova
Handirwadziwe nechiwhepu ini!
Uyu ndiwangu arikundirangarira norudo…
Asi Tenzi ndaradzwa kusvika nditsakatike
Ndarwadziwa…kuti rwa…dzi….weeeeeee….
Weeeeee….yoweeee maihweee…ndarwadziwa!



MAGUMO!!!


...RUOKO KWEE... BY: HUDSON CHITENGA

Thursday 22 January 2015

Written By: Hudson Chitenga
Editor: Takudzwa Chikepe

…RUOKO KWEE…

Makore akakorerana
Ndainekaira semombe yemashanga
Pano nekoko kutsvaga aizondibvongera
Rinopfungaira utsi…
Bhutsu yakapera kufamba
Iye paRusape,
Ndakati handinete
Shangu ndokuikanda kudurunhuru
Ndokufamba nedzake Moyo…chiberekerwo

Hedzo tsoka…dzakaibuditsa misodzi
Ari matuzu, chitsitsinho chikademba vakafa
Rangu ziso…rainge riri dzvuku seropa
Ndakaringa mberi sesoja rinosvika kure
Paheadlands ndiye pfacha…
Yangu nyama yachiti mbwododo kuneta
Sendarohwa nemabhurakwacha nemipinyi!
Ndakaruma angu maromo…
Nokuti ndaiziva kuti pane ziya dovi riripo!
Havooo Moyondizvo maRusape doo
Ndokukarara…kusheedzera rusiya
Rusiya…icho chisikana Lucia pachingezi
Hachina kunonoka kuuya pedyo naMwoyo!
Chakaziva kuti chawana mwoyo unerudo…
Uyo mwoyo unoshuwira rugare!
Ndakamuti ruoko kwee naye hutu!
KwaMrehwa uko vakasvikoreva matendo vachiuchira
Imbwa dzakahukurira rudo nekufara…
Naidzo kitsi dzakabata makonzo,
Kutichenesera musha!
Vopembera anaRowesai
VanaEllector vokubvurirwa jeda…
Rakacheka nyika zuva…
Aiwa, wamgu ndakamuwana nemwoyo!

RUOKO KWEE

MAGUMO!!!

Tuesday, 20 January 2015

NHAMO: BY SHEPHERD ZENGEYA

Wednesday 21 January 2015

Written By: Shepherd Zengeya
Editor: Takudzwa Chikepe
NHAMO
Tsanangudzo inhamo pamhuno sefodya
Kutamba nayo, ndiko kuchema-nhamo…

Riri sadza nhamo kupakura chivindi
Vaku-vaku, za-za, todo-todo-tono
Ko kuribika ishurudziro yemhezi dzenhamo
Chiri chingwa kushisha mukurumbira chaiwo
Vanabhoki vanoparidza chikweee makatarisa
Nhamo haidyiwe inotaurwa chete
Dai yaidyiwa- handiti dzingadai dzangano…
Kupfunya kunge rusero midzi kudzika- dzikiti

Iyi ndiyo nhamo chaiyo
Inga wani inhamo..
Varikure vanodetemba
Veduwe nhamo ifuza
Kuwira painoda zvayo
Kufushunura- uye asingaifungire
Anoti nhamo ndotoinzwa kumhiri uko
Inoparadza pfungwa neupfumi
Dziri shungu kuisudurudza…
Tsva- tsva…ibva iwe nhamo iwe
Yadzika midzi, mikono inobvuma
Vatete vanobata kumeso
Mikono ichishinyira…

Vanamati zvinotoda mwari chaiye
Mwari achibetsera vano zvibetsera
Kutofamba ndizvo zvasara
Vamwewo ava kupangana mazano
Iri nhamo yadzika midzi…

Ane nhamo ari nani
Kusiyana kwenhamo
Vamwewo vano ishura
Ndivo vaya vane nhamo isanganzwisisike
Vanotambura nokuda kudya upfumi
Vanotambura nokuti ndochaira ipi garimoto pane danga radzo
Ndopfeka ipi kushaya hembe panedzakawanda
Chikafu kuita chokurasa nokuguta…

Kuchipatara kunorapwa pfungwa- BP
Murikufungeiko vachiremba vabvunza
Hameno zvangondibata kurikunyara chokwadi
Nhamo!

Chaiyo nhamo..
kungomuka wakaoma muromo
Nhamo!

Ini handidi nhamo
Asi ndakuyambirai
Ino wira painoda
Chenjera nhamo..
Ramba nhamo!
HIYA.....CHAKACHAYA!!!


MAGUMO!!!