Wednesday 7 January
2015
Written
by: Shepherd Zengeya
Editor:
Takudzwa Chikepe
MUFORO
Aikazve… ko munhu zvoowuya akabata bakatwa!
Zvino isu hatibve…isu hatibudemo muforo!
Muforo ndimo medu mumba,
Muforo ndimo medu sechibage!
Dzinza redu chibage…
Mutupo, tichiera upfu, bota, sadza kana mbeu!
Muforo ndiwo
wedu musha watinoziva,
Kunyangwe
ukabvunza sahwira wedu chiguri,
Vanokuudza zvimwechete izvozvo.
Redu dzinza rose rinokurira muforo…
Vamwe ndovanogara kumunda kana kuti kwamunda,
Vamwe vachigara kwamunda kana kuti kumunda!
Mumakura…kana kuti mukukura tinongoona tirimo mumunda
Kana vari ivo vedu vaenzi, vanongotishanyira imomo medu
mumunda
Vari vanhu, dziri shiri, mombe kana madhongi- ungori
musanganisirwa ikoko kwamunda!
Vose vanofara zvikuru kutiona tirimo muforo,
Kana nesuwo tinofara kuvaona tirimo muforo!
Saka ini ndobva ndabvunza,
Takanyatsosiyanei- ini newe munhu?
Ini ndoona kunge takafanana ini…
Nhamo inozouya, kana tabereka tiri kwamunda kwatinogara
tiri muforo!
Kutichengetedza vanotichengetedza vanhu, kana varoyi voda
kutipina…
Unomuona shiri ouya…shasharara shesherere shishiriri…kuda
kutityisa!
Unomuona gudo ouya…hamu-hamu hemu-hemu himu-himu
Homu-Homu- kuda kutityisa!
Kana naiyewo mombe…nerwako rwuyo
rwusingaperi…mhoooooouwouwouwou- kuda kutityisa!
Hatitye zvakadai isu…rwake rudo munhu
rwunotwufuridzatwese utu,
Isu tichingosara hedu tiri muforo!
Asi munhuka….hehehede ndaseka
Unomunzwa arikure munhu…
‘Ndichambotarisa chibawe kumunda tingawane aparadzwa’
Izvo ane hwakehwo hurongwa!
Chinotishamisa ndechinotishamisa…
Tinozobviswa muforo muya kwamunda tichozoiswa mudara
nasahwira wedu muguri!
Pasina chinguva unozoona tabvisa muforo, takuendeswa
kuchigayo nasahwira wedu muguri!
Sahwira wedu muguri ndipo tinopedzisira kuvaona…
Hatizive kuti vanozomufambisa sei?
Asi tinonzwa kuti anoiswa muchoto kana kuzopuwa mombe
odyiwa!
Zorora murugare sahwira woye…
Asi munhu unofarisa shuwa…
Kutitsvagisa bota shuwa?
Kutitsvagisa sadza isusu?
Isu tinozokwatiswa tiri mupoto kuitwa bota kana sadza…
Remunhu uya wamunofarira…
Tinodyiwa…kunzi kanu kanu kanu,
Tobva tanzi nyobvo
nyobvo nyobvo
Tozobuda hedu…asi tapera tose tose.
Ndiwo maforero atinoita isu vana chibage tirimo muforo
Zvose izvi zvichiitika tirimo muforo
Imo medu matinoziva muforo
Imo medu matinokurira muforo
Imo mdedu matinofarira muforo
Dai mutupo waidyiwa…
Ndairidya chete sadza iro, bota iro kana hupfu uhwo!
Asi nenyaya yemuforo iyi…handikwanise veduwe…
Ndotofira muforo…ndimo mangu muforo!
MAGUMO!!!
No comments:
Post a Comment