Wednesday
14 February 2015
Written by: Herbert
Samkange
Editor: Takudzwa Chikepe
CHITSVA CHIRIMUTSOKA
Chitsva chirimurotsoka
chokwadi...
Ndini ndakagara pasi dhu-uuuu kugaya hangu
Kunotsvaga chitsva chemurutsoka…
Aaah! Ndikaenda ndingadzoka?
Hameno pamwe kana kwadoka!
Ndichivhura gonhi kubuda panze…
Ndakanga ndisisafunge chimweba,
Asi kutsvaka chitsva changu chemurutsoka!
Ndakati ndaiwana hangu, iyo yangu shangu…
Chinhepete chechiganda ungati Imvere, Dzenzou dzakaunganidzwa pamwechete- kamwe
Icho chemurutsoka chondirwisa- dzvi nadzvo chaiye!
Hecho chamuka chimurenga chaMutsva na Mutsoka.
Kikiridhi- kikiri, ndiani anoda kupindwa nemumwe.?
Hamheno kana pasina akasara akatsva ipapo…
Akave makakatanwa- nyoka kudonha pabazi remuti!
Chitsva akazopinda murutsoka …aitoti amupinde imomo,
Nokuti ndakange ndauwana mwoyo pawainge wamerera!
Zvipiko…kungodai nekudai vakange vave masahwira chaiwo
Varume ava vakange vadzimurana- kutsva kwendebvu dzavo
Nhamo iya yakati yauya kudzokera kwandainge ndabva Varume woye…kana pekufambira ndakange ndakupashaya, Nokuti chitsva chakange chave murutsoka…murutsoka chaimo
Apo kunze kwakange kwadoka….kwatopfugama pasi kuchinamata
Chokwadi Mwari ndewe munhu wese shuwa….Aaa ini ndakazviona Kana nevandakanga ndiinavo, vakange vakuyevawo chitsva changu chirimutsoka!
Ndakange ndave kufamba segakanje ne rutivi….rutivi chairo varume woye… Ihehede! Ndichiti ndikati ndobva ndadai- wobva wanzwa Chitsva achiti tyoo-oooo
Rudo i bofu hama dzangu- ndakange ndisina kuziva kuti ndakanga ndadiwa nechitsva
Chitsva chakaputira tsoka! Vamwe ndovaiti "ziso harina muganhu"
Kunyangwe hwakange hwa-husiku waingoona maziso vai- vai!
Vari vanhu ivavo vachyeverwa-kuyeverwa chaiko nerudo rwakange rwabvira semoto
Ruchipfuta uye rwuchikuchidzirwa naiye Tsoka akazvimirira, Achitoti ‘Musatye mukoma tiritose!’
Icho chitsva chiri murutsoka ndiani angade kutaura newe?
Godo raputira veShanje ndiani angade kutaura newe?
Asi kuchiva chitsva changu chemurutsoka!
Ndipo pandakaona ini kuti
Kana wafunga kuita chitsva chirimutsoka,
Unofanirwa kuita kunge urikutsva mutsoka Nokuti ukatsva unozoputirwa netsoka..dzatsvaga zvekuita!
Handiti vanoswinywa nawo maoko vanoibata chete?
Saka chitsva chiri murutsoka..

MAGUMO!!!
No comments:
Post a Comment