Thursday 22 January 2015
Written By: Hudson Chitenga
Editor: Takudzwa Chikepe
…RUOKO KWEE…
Makore
akakorerana
Ndainekaira
semombe yemashanga
Pano nekoko
kutsvaga aizondibvongera
Rinopfungaira
utsi…
Bhutsu yakapera kufamba
Iye paRusape,
Ndakati handinete
Shangu ndokuikanda kudurunhuru
Ndokufamba nedzake Moyo…chiberekerwo
Hedzo tsoka…dzakaibuditsa misodzi
Ari matuzu, chitsitsinho chikademba vakafa
Rangu ziso…rainge
riri dzvuku seropa
Ndakaringa mberi
sesoja rinosvika kure
Paheadlands ndiye
pfacha…
Yangu nyama
yachiti mbwododo kuneta
Sendarohwa nemabhurakwacha
nemipinyi!
Ndakaruma angu
maromo…
Nokuti ndaiziva
kuti pane ziya dovi riripo!
Havooo Moyondizvo
maRusape doo
Ndokukarara…kusheedzera
rusiya
Rusiya…icho
chisikana Lucia pachingezi
Hachina kunonoka kuuya pedyo naMwoyo!
Chakaziva kuti chawana mwoyo unerudo…
Uyo mwoyo unoshuwira rugare!
Ndakamuti ruoko kwee naye hutu!
KwaMrehwa uko vakasvikoreva matendo vachiuchira
Imbwa dzakahukurira rudo nekufara…
Naidzo kitsi
dzakabata makonzo,
Kutichenesera
musha!
Vopembera anaRowesai
VanaEllector
vokubvurirwa jeda…
Rakacheka nyika
zuva…
Aiwa, wamgu
ndakamuwana nemwoyo!
RUOKO KWEE |
MAGUMO!!!
No comments:
Post a Comment