Tuesday, 20 January 2015

INI HANDIITWE IYOYO: BY SIMBARASHE ZHARO

Tuesday 20 January 2015

Written By: Simbarashe Zharo
Editor: Takudzwa Chikepe

INI HANDIITWE IYOYO



Handiitwe iyoyo
Haaaaaa- Handiitwe iyoyo
Zvawave tsvigiri- musikana… tsvarakadenga chaiyo
Kununa! Watsvinda… nokuti sipo ndatenga
Zvowoshainira ini nokuti vazowanda vanaNyengo
Wakanga
nwa akakuda uzere shena?

Bodo! Kwete-ndaramba! Handiitwe iyoyo
Iko kutozokanganwa chazuro nehope
Woda kupfuma nemusana senyope?
Kumuka nechuru chemari kubva mubonde…
Chokwadi mhepo dzekwenyu dzichakuita rombe…
Kushaina wadhakwa unoputsa mukombe!
Zvino Wazoruma pasi- uchahunwira pai- mumatope!

Handiitwe iyoyo mhani!
Kukubata sezai… wanike ai! Inga imhakure
“Kurera bhoki nemukaka…inokushamira wakadhibha shuwa!''

Handiitwe iyoyo-amai!
Unondisema… iwe uri gonzo randakapfuya
Nhasi wave kutooneka nokuti wapedza dura?
Tisingatambise hedu nguva: nharembozha iyo yakadhura…
Chimbi-Chimbi! Changu chose patafura!
Eh-eh!
Uyu mwana anoto shura: yaisava neSim pandakakupa?
Mbatya neshangu ndave kutotakura.
Nezvawakapfeka hako mwanasikana… kurura!!!
Kuda kutamba chamuhwande hwande nyoka mumwena!

Nxa! Handiitwe iyoyo- ini

''chido chemwoyo Kani usadaro!''
Usadaro?
Chido chemoyo?
Chibva watozvibata chimuromo ichocho
Handitengwe netsvigiri- shoko!
Moyo ndatowora…

Nhasi wazomedza tsono
Wange wokanganwa chando
Handiitirwe iyoyo- ini…
Kwandaita uku ndiko kudzima moto
Kuseka muriwo uchida kuseva nhoko
Nhasi ndozviitira- svoto
Chigamuchira mutongo
Ndiwe watuka musha uchinange dondo!

Ndaitiwo mugudza dzvene tiponde
Mombe nembudzi Chipinge takaendesa
Mafuta okutiwo ustvinde
Iwe chamupidigori mutsine
Kupfira mutsime
Kukanganwa zuro nehope
Twangu twose ndipe!
Ndikadhakwa handiitike
Hasha dzoita sekumanginde!

Ukatapirirwa nedhindindi unoda kutyora hosho- handiti
Dakukupinza chikoro
Nhasi ndotokutushura mhopo
Kusvika wapinda muforo…
Nokuti inini handiitirwe Iyoyo!

INI HANDIITWE IYOYO


MAGUMO!!!
 

5 comments:

  1. iyi tichatoitevera neimwe inenge irimuchoto.

    ReplyDelete
  2. plus vanhu vako vakaipa mhan

    ReplyDelete
    Replies
    1. pwaaaaaaaaa wazondispaka manje....ndimi vanhu vacho....

      Delete
  3. eheka. maedits ndazomaona. ndakangandisina kumbonyanya ongorora

    ReplyDelete