Friday, 9 January 2015

NDEBVU: BY SHEPHERD ZENGEYA

Friday 9 January 2015

Written by: Shepherd Zengeya
Editor: Takudzwa Chikepe

***NDEBVU***

Chindebvu chendebvu
Chirebvu chendebvu
Chindebvu chechirebvu!

Hukuru here iwe ndebvu?
Kana kuti ruremekedzo rwunoda ndebvu?
Paunoda iwe merei- nhai iwe ndebvu...
Kusiya musoro ukati chirebvu ndizvo!
Chirebvu ndizvo- a iwe unoshamisa...
Ini ndaitarisira kuti nechepadumbu ndipo
Iwe nzvee...handipo ipapo!
Asi nharo dzako iwe ndebvu- ndizvo!

Chiona zvawavekundiitisa
Ndokudzwa nomunhu wose
Wose munhu ondikudza!
Kungava kusvondo- wanikwei rukudzo chete
Mukati munomwiwa zvimwiwa- wanikwe rukudzo chete
Mudzimai wangu nevana- rukudzo chete
Kuzvikochikari, kana kuzvitima rukudzo chete
Unonzwa voti baba, sekuru, asharukwa kana kuti harahwa...
Ndeani ese aya mazita? kuti ndini- kuti ndiwe Chindebvu?

Kukuchengeta iwe ndebvu rinotove basa...
Kukugera- kuda kukudzinga!
 Shungu kuti ndingakuparadza...
Kwauri imhosva yaparwa
Midzi wakadzika iwe ndebvu
Midzi wakatsika iwe ndebvu
Ndipo ndinonzwa ngengenu-ngengenu
Kubuda sango-hautani!

Dai pasina sahwira wako bvudzi
Iwe Ndebvu-Chirebvu Chindebvu
Ndingadai ndakakukanganwa kare kare!
Kungoti vako sahwira ndinovada...
Ndewangu mwana wandinofarira!

Chindebvu chendebvu
Chirebvu chendebvu
Chindebvu chechirebvu
Iweweka? Iweweka!
Wakandiwana ndakura...
Idi wakandiwana ndakura!

Chigara hako pachirebvu ipapo,
Sezvo ndivo musha wako ndebvu.
Changu chikumbiro chimwechete kunewe ndebvu
Chigarisanawozve navavakidzni wako ndebvu
Usazovaitirewo amwe mashura,
Ivo vanamatama, mhino, maziso nananzeve!
Ndikanzwa kuti wakuda kutama kumhiri kumakumbo...
Ndipo pauchazendiyeuka kuti, kunotsva demo mupini uchisara!
Izvi ndichireva kuti mapfumo hazvisi zvigaro...
Zvigaro hazvisi mapfumo- iwe ndebvu!

 

MAGUMO




No comments:

Post a Comment