Monday
19 February 2015
Written by: Martel Ric Mak
Editor: Takudzwa Chikepe
CHISHIRI CHISINA WACHO
Chishiri
chisina wacho
Chishiri
chisina kwacho
Chimbori
chaniko chishiri ichi
Kudaira
ndopasina ano..
Zvino
ndochivhunza ndega ini!
Ko iwe...iwewe
ehe iwewe uriwaani ko iwe
Umbori werdivi
ripi chairo...aiwaka taurai tsano
Kukuonai bhruu-
bruu toti munobva kwashiri
Kubvunza
mbeva...ko ava ndevapi ava
Shamwari
munhu siyana neni
Wakambondiona
ndichidya sadza naye ini
Toti
hazvinetse tinokubata chete
Kudai
nekudai chikirimbani kwacha
Chikirimbani
kwacha takubata shiribonga
Kungokubataso...aikazve
watova mbeva
A-aah
nyatsotsanangura mudikani- ndiwe ani
Umbori
wekwaniko iwewe
Maitiro ako
aya haasi ekugarisana nevamwe aya
Ukati haufambe
husiku here iwewe
Ukati hausi
muzukuru wazizi here iwewe
Chishiri
chisina wacho
Chishiri
chisina kwacho
Chimbori
chaniko chishiri ichi
Kudaira
ndopasina ano..
Zvino
ndochivhunza ndega ini!
Ungatiudzawo
kuti pako ndepapi
Yako midzimu
inochii newe
Mabhuku
awakaverenga anotyisa ndeapi
Kukuwana
wakafa toti shiri huyai
Anokupa
simba remasaramusi akadi
Kudoedza
kuti imi vana shiri ndewenyu uyu
Hanzi a-aah
aiwa uyu ndimbeva uyu
Nekowo vana
mbeva huyai mutore mumwe wenyu uyu
Zvonzi munhu
akanga kutiitira masaramusi zvakare- manje hatidaire
Rako izwi
ndiro tisingazwe- Rako izwi ndiro usina kumbobvira watipa...
Zvino-hezvo
nhasi igumi nefarira matambudziko
Kukutsvakira
hama kuti vakuvige
Remwa remwa
watii uri wani
Dai
zvaibvira watizivisa
Kwako
kumusha ndekupi
Tiwane kukuchema
zvine mwero
Chako chete
kuda kutiparisa mhozva
Chako chete
kuda kutiripisa mhosva
Chako chete
kuda kuzouya usiku wotinetsa
Uchiti
hatina kukuradzika zvakanaka- kune hama dzako!
Chokwadi
maitiro ako haana kunaka mufunge- chokwadi haana kunaka...
CHISHIRI CHISINA WACHO |
MAGUMO!!!
No comments:
Post a Comment