Tuesday 13 January
2015
Written by: Shepherd Zengeya
Editor: Takudzwa Chikepe
MUPETA
Mupeta- mupeta chete
Nyangwe mukauti doro- mupeta chete
Nyangwe mukauti doro- mupeta chete
Siyano…
mupeta unogogodza pfungwa
Doro rinogara zvaro mudumbu rozvinyararira
Doro rinogara zvaro mudumbu rozvinyararira
Kwanhasi aiwa tombosendeka uyu… doro wemudumbu
Tombomusendeka hedu, takanyatsomuringa mupeta
Mupeta anosunga nokusunungura
Hazvina kuti uribaba, amai, mwana, sekuru kana mbuya
Pfungwa dzinogogodzwa- kuti gogo go go go
Hazvina kuti uribaba, amai, mwana, sekuru kana mbuya
Pfungwa dzinogogodzwa- kuti gogo go go go
Dzikaparadzwa kunge hondo iya
Zvino haana kukuvara… vanobvunza
Apo sekuru vanenge vadonha negotsi vati zii
Apo sekuru vanenge vadonha negotsi vati zii
Apo anenge angova mashinyiro… vanhu kusanzwisisa
Vadirei mvura kana vakumurei
hanzu varohwe nekamepo
Vanenge
vashushikana ivo venyu vanhu sekuru…
Aiwa imbovasiyai vakadaro… vanomuka, vamwewo vanoziva ava
Aiwa imbovasiyai vakadaro… vanomuka, vamwewo vanoziva ava
Zvino havana kufa?
Kwete! varikufema kungoti vakiwa chaizvo
Kwete! varikufema kungoti vakiwa chaizvo
Ko
vanodi kudira mvura pavanomwa,
Asi havazive kuti mupeta uyu?
Asi havazive kuti mupeta uyu?
Kana
ndapetwa ndicharova amai…
Kanyama karipii,
Nhasi handidye muriwo kunge mombe yemashanga!
Kanyama karipii,
Nhasi handidye muriwo kunge mombe yemashanga!
Veduwe
dira mvura mumupeta pfungwa dzipetenuke.
MAGUMO!!!
No comments:
Post a Comment