Saturday, 10 January 2015

BHO MUCHAMUZIVA HERE? BY VACHIKEPE: MUZVINAFUNDO

Saturday 10 January 2015
Written By: VaChikepe: Muzvinafundo
Written: 2008 (Freestyle)

BHO MUCHAMUZIVA HERE?
Pandaitamba bhora ndiri pabhodha,
Ndakaona vamwe vanabhoki vachitamba bhokiseni vari mubhokisi!
Zvakandifungisa kubhodhin’i…takapfeka mabhokisa,
Tichiita makwikwi ekubvisa vasikana mabhodi…
Takateya kurerutsa edu mabhorosi!
Izvo…waiti kuzviita- kutengerwa mabhodhoro ekangopisa navakomana,
Kana kutoridzirwa ari mabhosvo chaiwo navakomana!
Asi kusamabvisa kwako, kwaifananidzwa
Nebhodho, bhoneti, kana bhobhojani chairo navakomana!
Kwaiva kuva nehushingi usina basa,
Mufudzi kuchema nzara akatarisana naro zamhu!
Waizongonzwa “Ha-a pfutseke zibhoneti remunyu”
Wobva watongoziva kuti aiwa,
Pane pawasarira nechitanda chete- hakuna pamwe
Wainge watoenzvekana, waenzvwa nevaenzvi!



MAGUMO!!!

No comments:

Post a Comment