Wednesday, 28 January 2015

KURWARA NESHANJE: BY NEO BATAKATHI

Wednesday 28 January 2015

Written By: Neo Batakathi
Editor: Takudzwa Chikepe

KURWARA NESHANJE

Vanodarika nenzira yepano…
Vanongomuwona achirwara!
Vavakidzani…wo vanongoziva kuti murwere
Vepo pamusha, ndivo vanoziva kuti anorwara nei!
Vasori vakambobvunza vemumusha kuti iye anomborwara nei?
Vemusha vaya vakanyara kuzvidoma, kuti anorwara achifamba...
 Vatorwa ndivo vanombokanganwa kuti iye munhu uyu anechirwere….

Udyu meso hoyo! Va-vakidzani vachipfuura nemotokari dzavo…
Miromo dunduma! Vadariki venzira vachiseka havo…
Nzeve twi! Vemusha kana votandara paukama…
Mazino zhinyu !Vasori kana voda kumubata paanorwara napo
Vatorwa ndivo vanozozvioona nekure kuti uyu munhu uyu murwere!

Anenge zingizi kuimba…iye achichema
Mwoyo usina divi kunge nyongorosi
Zizi… rinodzvokora zvivakwa zvevamwe murima.
Mutsipa kurebera zvisi-zvake, ungati imhakure
Bonga! rinotiza vanhu, pedze rovadongorera…
Vatorwa ndivo vanozobvunzawo, kuti humhuka hupi hunenge kurwara uhu?

Uyu munhu murwere uyu…
Inzwa kufemera kunze kunge dadya,
Katanurayi  shanje idzi…
Dzakamugara matunduru!
Godo zvarakadzipa huro?
Mukatanurei shanje idzi…
Asati atandadza…
Haadi kusiyana naro godo.
Padiki..padiki zvabatana! vava vese-zve!
Hona kufamba achibhidhaira kunge pasi pane rata…!
Kufinyama kunge anwiswa mudzepete…

Kunge wakaroiwa neari kumakuvakudaro
Shanje chirwere chinouraya
Kusvotwa hakuna godobori hakuna nyora
Gona reanehasha haritane kufumuka
Zvishuvo zvizere ruvengo zvinogumira kuhope
Shanje dzichakumonerera dzigokuuraya
Kana ukaramba uchiripembedza denda iri!


MAGUMO!!!



No comments:

Post a Comment