Thursday, 15 January 2015

TITAMBIRE: SHEPHERD ZENGEYA

Thursday 15 January 2015

Written By: Shepherd Zengeya […MHAZI…]
Editor: Takudzwa Chikepe

TITAMBIRE
Ko zvavanenge
sekuru, mukwasha, muroora, muzukuru, sahwira 
Ko zvaanenge mawoko chete
Titambire titambire
Munotambireiko
Vanhuka vaenzi vatishanyira
Vapeichigaro
Ibva waisa muriwo pamoto nemvura yesadza
Mueni haapedze dura- rakapera kare
Hazvinei kuti anenzara- kana kuti haana
Hazvinei kuti ishoroma- kana murombo
Iye- ndiwe, hapana siyano
Iwe utori mushanyi kwevamwewo
Kudza kuti ukudzwe
Sunge- meso kudzinga muyeni
Tandavara chiso icho
Mazino ngaaonekwe kunge mukaka
Misodzi itize kushura matongo
Muyeni makomborero makuru akapetwa
Anosunungura musha zvusungwa
Anobatanhidza vanhu vaparadzana
Anounza mukurumbira
Nhasi kwandaenda
Ndabatwa zvakanakisa kunge Mambo
Mvura yesadza yagadzirwa, kunge vafembera kunge n’anga
Nzara yanga yandibata… kunge hura usiriwangu
Mufunge ngavakomborerwe
Kubatwa kunge wavo mwana
Tsika dzavo… ndafunda zvikuru hwangu utsinye
Kuti kana ndashanyirwa ndifare- kufarisisa chaiko
Chii chandinoita
Ndapfidza katsika kangu kokunyima
Katsika kekushora…
Katsika kekufinyama kunge panhuwa
Veduwe
Ndanga ndakarasika musango…
Ndadzoka muvanhu- mutsika dzedu
Ini, iwe! ndirimuyeni
Handipedze dura rakapera kare!



 MAGUMO!!!



No comments:

Post a Comment