Monday 19 January
2015
Written by: Shepherd Zengeya
Editor: Takudzwa Chikepe
UKAMA NEHWAHWA
Ipo pakukura
Ndakakura nehama…
Dzose ndinodzida,
Idzo dzinondida!
Dzose ndinodzida,
Idzo dzinondida!
Nekufamba kwenguva
Ndichizvifambira zvangu
Pfacha napfeche tasangana
Ndichizvifambira zvangu
Pfacha napfeche tasangana
Ini ndinonzi munhu
Ini ndinonzi hwahwa
Ini ndinonzi hwahwa
Ini ndakaberekwa namai nababa
Ini kuberekwa kwangu-hwahwa,
Ini kuberekwa kwangu-hwahwa,
Kunoda makore etsanangudzo…
Ndakasanganiswa nezvakawanda
Ndokupiswa kuti ndiberekwe…
Hukasha hwangu ndinotoupa munhu kuti upere
Ndiye anotounzwisisa kupfura mhuka
Ndokupiswa kuti ndiberekwe…
Hukasha hwangu ndinotoupa munhu kuti upere
Ndiye anotounzwisisa kupfura mhuka
Kana ndatamba naye munhu
Anochema nokufara kutosvika kutoimba hererere
Anochema nokufara kutosvika kutoimba hererere
Kana apenga neni haabatike munhu
Anotoda mapurisa anepfuti…
Anotoda mapurisa anepfuti…
Handingowanikwe pese pese,
Wotoburitsa ndarama kuti tiite ukama!
Wotoburitsa ndarama kuti tiite ukama!
Asi kana ukama wabata
Kusiyana rufu chete
Uchipika kuvava- kunakirwa neni
Iwe munhu hukama wedu ndewedu
Kusvika kumagumo.
Kusiyana rufu chete
Uchipika kuvava- kunakirwa neni
Iwe munhu hukama wedu ndewedu
Kusvika kumagumo.
MAGUMO!!!
No comments:
Post a Comment