Monday, 19 January 2015

PFIMBI: BY HERBERT SAMKANGE

Monday 19 January 2015

Written By: Herbert Samkange
Inspired By: Nyasha Zvidzwa
Editor: Takudzwa Chikepe
PFIMBI
Pfimbi yangu
Chishuwiro chemwoyo wangu…
Zuva nezuva kuswerera kuonda,
Serutsanga rwuri mumvura!
Kana kuri kudya chaiko,
Handichatokuziva ini!
Chisvuura ndadya
Mhodziyechingwa
Ndingakupfimikeyi
Pai…pai chaipo?
Pekuti hapana kana mumwe,
Wemunwe angapaona…
Vamwe vanoti anopenga!
Kwete! Havazive- chandakasenga
Zvimhingamupini ndinokavira mabhutsu
Nokuti wenyati huswa ndohuri mudumbu,
Uri pamuromo inofa nahwo shuwa- nahwo uhu
Nhai iwe pfimbi ndokupfimbika paiko-paiko nhai?
Payangu pfimbi, ndini ndinoziva chete- haina anosvika!
Ndoramba here ndakakupfimbika…imwe mwana asingacheme achifira mumbereko?
Ruzhinji rwushakuyeva senyoka ine mavara, asi havangatore chandakabata icho chandakapfimbika!
“Kuchema kwako kuchavakufara kwangu, nekufara kwako kuchave kuchema kwangu”
Nokuti iwe pfimbi unenge wabuda pandakakupfimbika!



MAGUMO!!!

No comments:

Post a Comment