Saturday, 17 January 2015

KUFINYAMA: BY SHEPHERD ZENGEYA

Saturday 17 January 2015

Written By: Shepherd Zengeya
Editor: Takudzwa Chikepe

KUFINYAMA

Kunaka here
Kudada here
Kusvotwa here
Kurwara here
Kusema here
Kufinyama
Kumeso- kuunyana
Kuri kufinyama chete!
Zvarakunge basa
Chitikinyani chaicho
Kuri kufinyama…
Musoro kutotema
Kuri- kufinyama
Ko, zvakatanga rini?
Mubvunzo wakanangana newe
Kufinyama
Zita rako repiri
Kuunyana!
Vose varipedo newe
Mai nababa
Muningina nomukoma
Sekuru nomuzukuru
Shamwari nasahwira
Kana namwari chaiye
Kufinyama- chete!
Zvimwe zvotoda rufu
Kufinyama kupere
Tochingoti
Kufinyama rudo,
Kana zvirizvo…
Totofunda Kufinyama
Kana zvisirizvo…
Ngatiregerei Kufinyama
Mwari vakati
“Ida mumwe wako sekuzvida kwaunoita”
Havana kuti
Finyama seku zvifinyamira kwaunozviita
Tichatochera guva
Rokuviga,
Kufinyama!
Afambe zvakanaka
Munzira ineminzwa
Asacheme, vasara
Vasara... vagarika
Nyika yanaka
Musha wanaka
Nokutisiya
Kwa… vaMufinyama!


MAGUMO!!!




No comments:

Post a Comment