Tuesday
13 February 2015
Written by: Martel Ric Mak
Editor: Takudzwa Chikepe
MUDIWA HUYA
İngaita mhere kukuona wauya
Haaaaaa... heeeeee... hiiiiii... zvangu
Huya unditore nerwako ruoko
Rwunyoronyoro runopfavisa wangu mwoyo
Pamwe
chete nemwoyo wako
Uyo unondikwezvera mubindu rerudo
Huya unditore ndive nemufaro
Huya unditore ndive nemufaro mudiwa
wangu
Idzi dzinongova hope mukufunga
Kufunga iwe- iwewe chete mudiwa wangu
Daizvaigona...wauya unditore nerwako
ruoko
Tiende mudiwa- tiende mudiwa wangu
Tiende küre küre kusina ruzha
Kuzere rudo rwezhizha chairo
Kwatinonzwa shiri dzichiimba
Takagara tingori vaviri chete
Iwo mwoyo wangu uyu
Unochema... kuchema- kuchema chaiko
Kuchemera iwe mudiwa wangu
Dai wauya ndifare neanguwo mashoko
Ndati ndirwubate runhare mbozha
Wanikwe aikazve zvachiri chinyakare
Misodzi yerudo nyangarara pameso
Mvengemvenge....misanganiswa yedzangu
ndanariro
Nerunako rwako urwu mudiwa- dai wauya
unditore
Ini sewako ndikufadze uchiyemerera-
uripo
Pamapendekete angu aya- ongokunguruka
oga
Chingouya kani mudiwa wangu wemuzviroto
Dai wachingouya hako
Chinguri ndakakumirira
Chinguri ndichangokumirira
Ko zvino ndichararawo rinhi
Ko zvino ndicharara pamakumbo ako rinhi
Ko zvino uchararawo rinhi pachipfuva changu
Wakandivhara angu maziso nehutafutanana hwako?
MAGUMO!!!
No comments:
Post a Comment