Monday, 12 January 2015

MWANA AKANAKA: BY MARTEL RIC MAK

Tuesday 13 February 2015
Written by: Martel Ric Mak

MWANA AKANAKA

Ndikakutarisa hana yangu inorova
Ndikakufunga musoro wangu unoita kurwadza
Ndakavata muhope dzangu ndiwe wega
Pandinoti pepu ndinomuka ndichinyara
Ndaona zvangu kuti ihope ndirikurota
Ndikasangana newe ndinoita sekiti yanaiwa
Ukanditarisa ndinonzwa mweya wekufa kupera
Ndoshuvira dai waizova mai vevana vangu
Zvino mandiri ndodzoka ndozadzwa nematyira
Kuti ndikutaurire ndinonzwa kutya zvikuru
Kuti nditsvage wekutuma ndinotya kunongedza
Ndinyarare zvakare ndinotya kufa neshungu
Dai uri shiri ndaikuisira riva ndikubate
Zvino wakaitwa munhu ndodii ini hangu
Ugwara  hwangu hwandiparira zvino
Mwana iwe kunaka kwako wandikuvadza moyo
Dai zvaibvira mwari vakurotesa zvanguwo
Zvimwe rwendo rwangu rwungaite pfupi
Ndikachimbidza kusvika pamoyo
Tsime rerudo chitubu chinodzana 


MAGUMO!!!


No comments:

Post a Comment